Revelation of John 9

Hwamanda yechishanu

1Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, zvino ndakaona nyeredzi ichibva kudenga ichiwira panyika, ndokupiwa kwaari kiyi yegomba risina chigadziko. 2Zvino yakazarura gomba risina chigadziko, utsi ndokusimuka kubva mugomba seutsi hwevira guru, nezuva nedenga zvikasvibiswa nekuda kweutsi hwegomba. 3Zvino muutsi mukabuda mhashu dzikauya panyika, ndokupiwa kwadziri simba, sezvinyavada zvenyika zvine simba. 4Kukanzi kwadziri dzirege kutadzira uswa hwenyika, kana chipi zvacho chinyoro, kana muti upi, asi vanhu chete vasina mucherechedzo waMwari pahuma dzavo. 5Zvino kwakapiwa kwadziri kuti dzisavauraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; uye kurwadzisa kwadzo kwaiita sekurwadzisa kwechinyavada kana chichiruma munhu. 6Zvino pamazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; uye vachashuva kufa, asi rufu rwuchavatiza. 7Uye zvimiro zvemhashu zvakaita semabhiza akagadzirirwa hondo; nepamisoro yadzo pane zvakaita sekorona dzakafanana negoridhe, nezviso zvadzo sezviso zvevanhu. 8Zvino dzakange dzine vhudzi sevhudzi revakadzi, nemeno adzo akaita seeshumba. 9Zvino dzakange dzine zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvidzitiro zvechifuva zvedare, nekutinhira kwemapapiro adzo sekutinhira kwengoro dzemabhiza mazhinji achimhanyira kuhondo. 10Zvino dzakange dzine miswe yakafanana nezvinyavada, uye pakange pane umborera pamiswe yadzo, nesimba radzo rekukuvadza vanhu mwedzi mishanu. 11Zvino dzakange dzina mambo pamusoro padzo, mutumwa wegomba risina chigadziko, zita rake nechiHebheru riri Abhadhoni, uye nechiGiriki ane zita Aporioni. 12Nhamo imwe yapfuura; tarira, kuchiri kuuya nhamo mbiri shure kweizvi.

Hwamanda yechitanhatu

13Zvino mutumwa wechitanhatu wakaridza, zvino ndakanzwa inzwi kubva panyanga ina dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari, 14richiti kumutumwa wechitanhatu wakange ane hwamanda: Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi. 15Zvino vakasunungurwa vatumwa vana vakange vakagadzirirwa awa nezuva nemwedzi negore, kuti vauraye chetatu chevanhu. 16Zvino uwandu hwehondo dzevatasvi vemabhiza hwaiva makumi ezvuru maviri emakumi ezvuru; ndakanzwawo uwandu hwavo. 17Zvino saizvozvo ndakaona mabhiza muchiratidzo, nevakange vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvemoto, nezvehiasindo*, nezvesarufa*, nemisoro yemabhiza semisoro yeshumba, nemumiromo yawo makabuda moto neutsi nesarufa. 18Neizvi zvitatu kwakaurawa chetatu chevanhu, nemoto uye neutsi uye nesarufa, zvakabuda mumiromo yawo. 19Nokuti simba rawo riri mumuromo wawo, nemumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka uye ine misoro; uye anokuvadza nayo. 20Zvino vakasara vevanhu, vasina kuurawa pamatambudziko awa, havana kutendeuka pamabasa emaoko avo, kuti varege kunamata madhimoni, nezvifananidzo zvegoridhe nesirivheri nezvendarira nezvemabwe nezvematanda, zvisingagoniwo kuona, zvisinganzwiwo, uye zvisingafambi; 21uye havana kutendeuka paumhondi hwavo, kana pauroyi hwavo, kana paupombwe hwavo, kana paumbavha hwavo.

Copyright information for Shona